Nwadhi kuna Amai – Nhetembo yakanyorwa na nyanduri Robson Chikuse

0
3255

Ndati ndinyore ndichikuyeuchidzai nezvangu, Zvimwe mungadzoke mokanganwa,kuti ndini aizova uya, Uya wamakarambidza kuti anzwe kudziyawo kunoita mushana, Ndini uya wamakasvipa musina kumbotsenga, Amai ndini chikonzero chekurova kweyenyu hana Mauro ega ega.

Ko mati matokanganwa here nezvangu ini, Ini zai riya ramakarambidza kuchochonya, Iya mhodzi yamakavhukunura isati yamera, Zvokwadi ndini riya jongwe risina kuzokukuridzawo mambakwedza, Amai ndini budzi riya ranga rawira kunemi vasina hari.

Ko makadii makandipawo mukana wekuzviwonera ndega, Makasarudza kuita mutongi gava pane hwangu hupenyu, Makawana zvakakodzera kunditanha ndisati ndaibva, Makandisema ndokundisvipa segarahwa, Mhayiyo makandibukura sechimwana chazvimbigwa nehwamai mukaka.

Ndini mbodza iya yamakabika muchimhandara, Ndini mubayiro wechenyu chivi, Chivi chekuda kuzipigwa pasina butiro, Ndini chiumbwa chehwenyu humbwende, Amai ndini piritsi riya ramakatenga muchivande mukakabira.

Ko maizoteyerei ko mariva murutsva kana maitya kusviba shure, Zvino nhasi ndati ndinyore pasina kutya kana kukahadzika, Ndichikuzivisai kuti ndicharamba ndirigangaidza imi nyakukwenya. Ndicharamba ndiri mhezi inovavira mukati mewenyu mwoyo, Ndinovimba kuti ndakave chidzidzo chekutanga nechekuguma, Ramangwana amai ndapota, edzai kudzivirira mimba dzisina kurongwa.

Nyanduri: Robson Chikuse (c) Kurume: Gore rezvuru zviviri zvine gumi nemana (2014)

Kana mafarira munyori uyu nevamwe, munogona kutiratidza rudo rwenyu pa Zimlink yepa Facebook

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here